Jeremiah 4

1“Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka,
dzokai kwandiri,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu
zvinonyangadza uye mukasarasikazve,
2kana mukapika muchokwadi,
nokururama uye nenzira yakarurama muchiti:
‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’
ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”
3Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema:

“Zviundirei gombo
murege kudyara pakati peminzwa.
4Zvidzingisirei kuna Jehovha,
dzingisai mwoyo yenyu,
imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema,
kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto,
nokuda kwezvakaipa zvamakaita,
iko kupisa kusina angakudzima.

Njodzi inobva nokumusoro

5“Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti:
‘Ridzai hwamanda munyika yose!’
Danidzirai nesimba muchiti:
‘Unganai pamwe chete!
Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’
6Simudzai mureza wokuenda kuZioni!
Tizai muvande musinganonoki!
Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro,
iko kuparadza kwakaipisisa.”

7Shumba yabuda mudenhere rayo;
muparadzi wendudzi abuda.
Asiya nzvimbo yake
kuti aparadze nyika yenyu.
Maguta enyu achava matongo
pasina achagaramo.
8Naizvozvo pfekai masaga,
chemai muungudze,
nokuti kutsamwa kwaJehovha
kunotyisa hakuna kubva kwatiri.

9“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“mambo namachinda vachaora mwoyo,
vaprista vachatyiswa,
uye vaprofita vachavhundutswa.”
10Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.”

11Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingapepeti kana kunatsa; 12mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.”

13Tarirai! Ari kuuya samakore,
ngoro dzake dzinouya sechamupupuri,
mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo,
Tine nhamo! Taparara!
14Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa.
Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini?
15Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani,
richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu.
16“Zivisai izvi kumarudzi,
zviparidzei kuJerusarema muchiti:
‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure,
ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.
17Vanorikomba savanhu vakarinda munda,
nokuti rakandimukira,’ ”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
18“Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa
izvi pamusoro pako.
Ichi ndicho chirango chako.
Haiwa, zvinovava sei!
Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”

19Maiwe, kurwadziwa kwangu,
kurwadziwa kwangu!
Ndiri kubidirika nokurwadziwa.
Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu!
Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari.
Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda;
ndanzwa mheremhere yehondo.
20Njodzi inotevera njodzi;
nyika yose yava dongo.
Munguva shoma shoma, matende angu aparadzwa,
musha wangu nenguva diki diki.
21Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko,
uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko?

22“Vanhu vangu mapenzi;
havandizivi ini.
Vana vasina pfungwa;
havanzwisisi.
Vakangwarira kuita zvakaipa;
havazivi kuita zvakanaka.”

23Ndakatarira nyika,
yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu;
uye nokumatenga,
chiedza chawo chakanga chisisipo.
24Ndakatarira pamakomo,
tarirai, aidengenyeka;
zvikomo zvose zvaizeya.
25Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu;
shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure.
26Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga;
maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha,
pamberi pehasha dzake dzinotyisa.
27Zvanzi naJehovha:

“Nyika yose ichaparadzwa,
kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose.
28Naizvozvo nyika ichachema
uye matenga kumusoro achava rima
nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita,
ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.”

29Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta,
maguta ose anotiza.
Vamwe vanopinda mumatenhere;
vamwe vanokwira pakati pamatombo.
Maguta ose asara asina munhu;
hapana anogaramo.

30Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa?
Wapfekereiko nguo tsvuku,
uye unoshongereiko zvishongo zvegoridhe?
Wazorereiko meso ako pendi?
Unongozvishongedzera pasina.
Zvikomba zvako zvinokushora;
zvinotsvaka kukuuraya.

31Ndiri kunzwa kuchema sekwomukadzi anorwadziwa pakusununguka,
kugomera sekwomukadzi opona dangwe rake,
kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka,
achitambanudza maoko ake achiti,
“Maiwe! Ndoziya;
upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”
Copyright information for SnaBDSC